VOICE OF AMERICA Shona

Mavara Chete
Search

Africa Union Yokurudzira Hurumende yeMubatanidzwa muZimbabwe


01/07/2008
Hurukuro naDr John Makumbe - Download (MP3) audio clip
Hurukuro naDr John Makumbe - Teererai (MP3) audio clip

Musangano weAfrican Union, wapera Chipiri manheru kuSham el-Sheik kuEgypt, uko vatungamiri venyika dzemuAfrica, vakurudzira kuti Zimbabwe ive nehurumende yemubatanidzwa. Kurudziro iyi inotevera gakava riri munyika pakati pemutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, pamwe nemutungamiri weZanu PF, VaRobert Mugabe. Vatungamiri venyika dzemuAfrica vanonzi vanetsekana kuti vabude nechisungo panyaya yezviri kuitika muZimbabwe. Vamwe vatungamiri vanonzi vanga vachitorumbidza VaMugabe, asi nyika shoma dzinosanganisira Liberia, Senegal, Sierra Leonne neGhana, ndidzo dzanga dzichida kuti VaMugabe vaomeserwe neAU.

VaMugabe vakaenda kumusangano uyu mushure mekusarudzwa kwavakaitwa neChishanu semutungamiri wenyika, musarudzo yavakapinda pasina anovakwikwidza, sezvo VaTsvangirai vakabuda musarudzo iyi. VaTsvangirai vakati havangapinde musarudzo iyi vatsigiri vavo vachipondwa nevatsigiri vaVaMugabe.

Asi mutauriri waVaMugabe, VaGeorge Charamba, vaudza vatori venahu kuEgypt kuti hurumende yavo haisi kuzoumba hurumende yemubatanidzwa neMDC.

Ukuwo mutungamiri weBotswana, Va Ian Khama Seretse Khama, vanonzi vakurudzira vamwe vatungamiri venyika dzemuAfrica kuti vadzinge VaMugabe musangano reAU, zvichitevera mabatiro avakaita sarudzo ye run-off, pamwe nenyaya yekushungurudzwa kuri kuitwa vanopikisa hurumende yeZANU-PF.


Vatungamiri ava vakaparurawo gwaro reMillenium Development Goals in Africa, iro rakatarisirwa kupa vatungamiri vemuAfrica gwara rekuti vatsvage nzira dzekupedza matambudziko emuAfrica.

Mutevedzeri wemunyori weUnited Nations, Mai Asha Rose Migiro, sachigaro veAU, uye vari mutungamiri weTanzania, VaJakaya Kikwete, pamwe nasachigaro ve AU Commission, VaJean Ping, ndivo vaparura gwaro iri, iro richange richizoshandiswa kumusangano wevatungamiri venyika sere dzakabudirira, kana kuti G8 Summit, uyo wakatarisirwa kutanga muJapan svondo rinouya.

Mutori wenhau dzeStudio 7, Carole Gombakomba, aita hurukuro naProfessor John Makumbe, nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika, avo vanoti danho ratorwa neAU rwendo runo, ratomboratidza kuti vari kushushikana nezviri kuitika muZimbabwe.


Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

emailme.gif Tumira Nyaya Iyi Netsambambozha
printerfriendly.gif Mamiriro Azvinoita Zvadhindwa

  Nyaya Huru Yanhasi
VaMugabe, VaTsvangirai naVaMutambara Vokoka VaMbeki Kuzoyananisa  Audio Clip Available  Video clip available

  Dzimwe Nhau Dze Studio7
VaTsvangirai Vanoti Vambomisa Nhaurirano neZanu-PF Kusvika VaMbeki Vapindira  Audio Clip Available
Inflation Inosvika pa231m% Muna Chikunguru  Audio Clip Available
Veruzhinji Vanoti MDC Ngaibude muNhaurirano  Audio Clip Available
Nhaurirano dzeZanu-PF neMDC Dzinotadza Zvakare Kubudirira  Audio Clip Available
United Nations Yotsvagira Zimbabwe Mari yeKutenga Chikafu  Audio Clip Available
Bvunzo dzeGrade 7 Dzinotadza Kunyorwa  Audio Clip Available
Zvimwe Zvitoro Zvotengesa neMari yeKunze  Audio Clip Available
Nhaurirano dzeMDC neZanu-PF Dzinotadzazve Kubudirira  Audio Clip Available
Mabhanga Onzi Haachina Mari  Audio Clip Available
Nzara Yoruma Munyika  Audio Clip Available
Kusawirirana kwaVaTsvangirai naVaMugabe Koramba Kupera  Audio Clip Available
Zuva reUN Habitat Rocherechedzwa Pasi Rose  Audio Clip Available
Sangano reC-Safe Rinoti Huwandu hweVanhu Vanoda Chikafu Huchakwira  Audio Clip Available
The Centre Yotsvaga Nzira dzeKubatsira Vanorarama neHIV/AIDS  Audio Clip Available
CHRA Yotyira Kupararira kweZvirwere Zvinokonzerwa neMvura  Audio Clip Available
VaMbeki Vanobvuma Kuramba Vari Mutongi Gava paGakava remuZimbabwe  Audio Clip Available
Nhaurirano Dzoitirwa paNharembozha neChina?  Audio Clip Available
Nyanzvi Dzopesana paNyaya yeInflation  Audio Clip Available
Nyaya yeKushomeka kweMari Yonetsa Zvikuru  Audio Clip Available
Meya weMasvingo Vanoramba Zvavari Kupomerwa  Audio Clip Available
SADC Inokumbira VaMbeki Kuti Varambe Vari Mutongi Gava paNyaya yeZimbabwe  Audio Clip Available
VaChombo Voramba Vachikanda Nhengo dzeZanu PF muMakanzuru  Audio Clip Available
Ngirande: Vanhu Vanoda Chikafu Vawandisa.  Audio Clip Available
VaTsvangirai naVaMugabe Vanotadza Kuwirirana paNyaya yeMakurukota  Audio Clip Available
Chikafu Choramba Chichinetsa Kuwana Munyika  Audio Clip Available
MDC Inoti VaChombo Vari Kuvhiringidza Mabasa eMakanzuru  Audio Clip Available
Vanhu Votadza Kutora Mari muMabhanga
VaMugabe Vanoti Hurumende yeMubatanidzwa Ichaumbwa Mukupera kweSvondo  Audio Clip Available
Chibvumirano Chorasisa Vatsvagi veHupoteri muSouth Africa  Audio Clip Available
RBZ Inowedzera Mari Inotorwa muBhanga paZuva, ZCTU Inosendeka Kuratidzira  Audio Clip Available
VaMugabe Vokurudzira Kubvisirwa Zvirango Zvavakatemerwa  Audio Clip Available
Kusiya Basa kwaVaMbeki Kotyirwa Kanganisa Nhaurirano  Audio Clip Available
RBZ Inopamhidzira Mari Inotorwa muBhanga paZuva  Audio Clip Available
MDC Inopokana naVaMugabe Panyaya yeDare reMakurukota  Audio Clip Available
ZCTU Inotarira R-B-Z Mazuva eKuti Igadzirise Nyaya dzeMari  Audio Clip Available
European Union Inopa Zimbabwe Mari yeRubatsiro  Audio Clip Available
America Inoti Ichatemera VaMugabe Zvirango Vakasabata  Chibvumirano neNzira Kwayo  Audio Clip Available
Mhirizhinga  Inoitika muMbare Mapurisa Akapeta Zvawo Maoko  Audio Clip Available
Chirwere cheManyoka Chopararira Munyika  Audio Clip Available
Nyika Ingangoshaya Chikafu Kutanga kwaMbudzi  Audio Clip Available
VaZuma Voudza Vanhu Kuti Vabate Hana Dzavo  Audio Clip Available