VOICE OF AMERICA Shona

Mavara Chete
Search

VaZuma Voudza Vanhu Kuti Vabate Hana Dzavo


23/09/2008
Hurukuro naVaSydney Masamvu - Download (MP3) audio clip
Hurukuro naVaSydney Masamvu - Teererai (MP3) audio clip

Bato riri kutonga muSouth Africa, reANC, raramba mashoko ekuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyika iyi, zvichitevera kusiya basa kwemakurukota gumi nerimwe. 

Makurukota aya anoti asiya basa senzira yekuratidza kusafara kwawo nekudzingwa basa kwakaitwa VaThabo Mbeki nebato reANC.

Pamakurukota asiya basa, vanomwe vavo vanonzi varatidza kuzvipira kushanda vari pasi pemutungamiri mutsva. 

ANC yakadoma mutevedzeri wemutungamiri webato iri, VaKgalema Motlanthe, kuti vatore basa raiitwa naVaMbeki. Dare reparamende riri kutarisirwa kugadza VaMotlanthe pachigaro chemutungamiri wenyika neChina. 

Makurukota asiya basa anosanganisira mubati wehomwe, VaTrevor Manuel, mutevedzeri waVa Mbeki, Amai Phumizile Mlambo-Ngcuka, pamwe negurukota rezvematunhu, VaSydney Mufamadi, avo vange vari sachigaro wechikwata chehurumende yeSouth Africa chiri kubata nyaya yenhaurirano dzeMDC neZanu-PF.

Mutungamiri weANC, VaJacob Zuma, vaudza vanhu vemuSouth Africa kuti vagadzikane zvavo, sezvo zvoinhu zvose zviri kubatwa nenzira kwayo.

Nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika dzinoti zviri kuitika muSouth Africa, zvinogona kuvhiringa nhaurirano dzeMDC neZanu-PF, idzo dziri kuramba dzichinetsa munyika. 

VaSydney Masamvu vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, uye vachishanda neInternational Crisis Group kuchamhembe kweAfrica.

VaMasamvu vaudza mutori wenhau dzeStudio7, Blessing Zulu, kuti zviri kuitika muSouth Africa zvinogona kukanganisa nhaurirano dzemuZimbabwe.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

emailme.gif Tumira Nyaya Iyi Netsambambozha
printerfriendly.gif Mamiriro Azvinoita Zvadhindwa

  Nyaya Huru Yanhasi
MDC neZanu-PF Dzoteyana Pamaumbirwo eHurumende yeMubatanidzwa  Audio Clip Available

  Dzimwe Nhau Dze Studio7
ZINWA Inovhara Mvura Muguta ReHarare  Audio Clip Available
MDC Yotarisirwa Kuzeya Kuvandudzwa kweBumbiro reMitemo  Audio Clip Available
Muzvare Khupe Vanoshanyira Nzvimbo Dzine Chirwere cheCholera  Audio Clip Available
Masoja Anoita Mhirizhonga muHarare  Audio Clip Available
VaMugabe Vanogadza Zvakare VaGono saGavhuna weRBZ  Audio Clip Available
Nyanzvi Dzozeya Maipiro Aita Zvinhu muZimbabwe  Audio Clip Available
MDC neZanu-PF Dzinobvumirana  Nyaya yeBumbiro reMitemo  Audio Clip Available
VaTsvangirai Vanoti Nhaurirano Hakuna Kwadziri Kuenda  Audio Clip Available
Madzimai Akazvitakura Otarisana neNguva Yakaoma
Sangano reWHO Rotsvagira Nyika Mari Yekurapa Chirwere cheCholera  Audio Clip Available
Nhaurirano dzeMDC neZanu-PF Dzinotangazve muSouth Africa  Audio Clip Available
United Nations Inoti Cholera Yauraya Vanhu Vanodarika Mazana Matatu neMakumi Matanhatu  Audio Clip Available
Nhengo dzeMDC Dziri Muhusungwa Dzichiri Kushaikwa Kwadzakachengeterwa  Audio Clip Available