VOICE OF AMERICA Shona

Mavara Chete
Search

America Inoti Ichatemera VaMugabe Zvirango Vakasabata  Chibvumirano neNzira Kwayo


24/09/2008
Tererai mashoko aVaJakaya Kikwete - Download (MP3) audio clip
Tererai mashoko aVaJakaya Kikwete - Teererai (MP3) audio clip
Hurukuro naVaBoniface Chidyausiku - Download (MP3) audio clip
Hurukuro naVaBoniface Chidyausiku - Teererai (MP3) audio clip
Hurukuro naVaPedzisayi Ruhanya - Download (MP3) audio clip
Hurukuro naVaPedzisayi Ruhanya - Teererai (MP3) audio clip

Mutevedzeri wemunyori anoona nezvekudyidzana nenyika dzemuAfrica muAmerica, Muzvare Jendayi Frazer, vayambira kuti nyika yavo ichatowedzera zvirango kuhurumende yaVaMugabe kana ikasatevedza zvinodiwa nechibvumirano chekugovana masimba. 

Muzvare Frazer vanoti panofanira kunyatsoratidza kuti pagovanwa zvigaro zvedare remakurukota zvakafanira, uye kugovana kwechokwadi masimba ekutonga nyika pakati paVaMugabe naVaTsvangirai. 

Muzvare Frazer vanotiwo kana paita kuwirirana kwechokwadi muZimbabwe, America ichatumira nyanzvi kuti dzibatsire kugadzirisa hupfumi nyaya dzehupfumi.

Mashoko aya anoteverawo matambudziko akatarisana nechibvumirano ichi panyaya yedare remakurukota pamwe nekugovanwa kwemagavhuna, uye kumanikidzwa kusiya basa kwakaitwa mutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki. 

SADCc neAfrican Union dzinoti dziri kuda kuti VaMbeki varambe vari mutongi gava panyaya yezimbabwe.

Mutauriri waVaMbeki, VaMukoni Ratshitanga, vanotiwo VaMbeki vakazvipira kuenderera mberi nebasa rekuva mutongi gava. 

Vachitaura vari muNew York neChipiri  kumusangano weUnited Nations General Assembly, mutungamiri weTanzania, uye vari sachigaro veAfrican Union, VaJakaya Kikwete, vakati nhaurirano dzekugadzirisa gakava remuZimbabwe dzichaenderera mberi, kunyange hazvo VaMbeki vasiya basa.

Mumiriri weZimbabwe kuUnited Nations, Ambassador Boniface Chidyausiku, vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti mashoko eAmerica anodzorera nyika kumashure.

Mutori wenhau Blessing Zulu abatawo VaPedzisayi Ruhanya vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, avo vari kuita zvidzidzo zvepamusoro paUniversity of Minnesota, muAmerica. VaRuhanya vanoti VaMugabe vanofanira kutemerwa zvirango vakasatevedza zvinodiwa nechibvumirano ichi.

 

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

emailme.gif Tumira Nyaya Iyi Netsambambozha
printerfriendly.gif Mamiriro Azvinoita Zvadhindwa

  Nyaya Huru Yanhasi
MDC neZanu-PF Dzoteyana Pamaumbirwo eHurumende yeMubatanidzwa  Audio Clip Available

  Dzimwe Nhau Dze Studio7
ZINWA Inovhara Mvura Muguta ReHarare  Audio Clip Available
MDC Yotarisirwa Kuzeya Kuvandudzwa kweBumbiro reMitemo  Audio Clip Available
Muzvare Khupe Vanoshanyira Nzvimbo Dzine Chirwere cheCholera  Audio Clip Available
Masoja Anoita Mhirizhonga muHarare  Audio Clip Available
VaMugabe Vanogadza Zvakare VaGono saGavhuna weRBZ  Audio Clip Available
Nyanzvi Dzozeya Maipiro Aita Zvinhu muZimbabwe  Audio Clip Available
MDC neZanu-PF Dzinobvumirana  Nyaya yeBumbiro reMitemo  Audio Clip Available
VaTsvangirai Vanoti Nhaurirano Hakuna Kwadziri Kuenda  Audio Clip Available
Madzimai Akazvitakura Otarisana neNguva Yakaoma
Sangano reWHO Rotsvagira Nyika Mari Yekurapa Chirwere cheCholera  Audio Clip Available
Nhaurirano dzeMDC neZanu-PF Dzinotangazve muSouth Africa  Audio Clip Available
United Nations Inoti Cholera Yauraya Vanhu Vanodarika Mazana Matatu neMakumi Matanhatu  Audio Clip Available
Nhengo dzeMDC Dziri Muhusungwa Dzichiri Kushaikwa Kwadzakachengeterwa  Audio Clip Available