VOICE OF AMERICA Shona

Mavara Chete
Search

Mhirizhinga  Inoitika muMbare Mapurisa Akapeta Zvawo Maoko


24/09/2008
Hurukuro naVaPiniel Denga - Download (MP3) audio clip
Hurukuro naVaPiniel Denga - Teererai (MP3) audio clip

Mhirizhonga inonzi yakaitika neChipiri mumusha weMbare mushure mekunge nhengo dzeZanu PF dzarwisa nhengo dzeM-D-C dzakanga dzaenda pakamba yemapurisa yeMatapi kuti dzibatsirwe kudzokera mudzimba dzadzo dzakatorwa nevatsigiri veZanu PF munguva yesarudzo yerun-off. Zvinonzi nhengo dzeM-D-C idzi dzakanga dziine mumiriri wadzo mudare reparamende, VaPiniel Denga, pamwe nechikonzi chaive nemapepa ekupa mapurisa kuti aburitse vakapinda mudzimba ava.

Zvinonzi vatsigiri veZanu PF vaive mumarhorhi maviri, vakabva vasvika pakamba apa vachiimba dzimbo dzekunyomba M-D-C, vachibva vatanga kurova vanhu mapurisa akatarisa. Mhuri dzinodarika makumi matanhatu neimwe dzakadzingwa mudzimba kuMbare Flats, Nenyere, Matapi pamwe neJoburg Lines, dzichipomerwa mhosva yekutsigira M-D-C. 

Dzimba idzi ndedzekanzuru yeHarare idzo dziri kurojeswa kuvanhu ava. Kubva pakapinda vatsigiri veZanu PF mudzimba idzi, zvinonzi havasi kubvisa mari dzemitero.

Makamba ekushungurudzira vanhu anonzi achiri kushandiswa mumusha weMbare. Bato reM-D-c neChipiri raka buritsawo gwaro rekushoropodza mhirizhonga iri kuitika munyika kunhengo dzayo. M-D-C yakati izvi zvino kanganisa chibvumirano chekuumba hurumende yemubatanidzwa chakaitwa munyika. Tatadza kunzwa divi remapurisa pamwe neZanu PF panyaya iyi. 

Asi mumiriri weMbare muparamende, VaPiniel Denga, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti mapurisa aitovapomera mhosva yekukurudzira mhirizhonga nekuunganidza vanhu zvisiri pamutemo.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

 

 

emailme.gif Tumira Nyaya Iyi Netsambambozha
printerfriendly.gif Mamiriro Azvinoita Zvadhindwa

  Nyaya Huru Yanhasi
MDC neZanu-PF Dzoteyana Pamaumbirwo eHurumende yeMubatanidzwa  Audio Clip Available

  Dzimwe Nhau Dze Studio7
VaMugabe Vanogadza Zvakare VaGono saGavhuna weRBZ  Audio Clip Available
Nyanzvi Dzozeya Maipiro Aita Zvinhu muZimbabwe  Audio Clip Available
MDC neZanu-PF Dzinobvumirana  Nyaya yeBumbiro reMitemo  Audio Clip Available
VaTsvangirai Vanoti Nhaurirano Hakuna Kwadziri Kuenda  Audio Clip Available
Madzimai Akazvitakura Otarisana neNguva Yakaoma
Sangano reWHO Rotsvagira Nyika Mari Yekurapa Chirwere cheCholera  Audio Clip Available
Nhaurirano dzeMDC neZanu-PF Dzinotangazve muSouth Africa  Audio Clip Available
United Nations Inoti Cholera Yauraya Vanhu Vanodarika Mazana Matatu neMakumi Matanhatu  Audio Clip Available
Nhengo dzeMDC Dziri Muhusungwa Dzichiri Kushaikwa Kwadzakachengeterwa  Audio Clip Available