VOICE OF AMERICA Shona

Mavara Chete
Search

Chirwere cheManyoka Chopararira Munyika


24/09/2008
Hurukuro naDr Douglas Gwatidzo - Download (MP3) audio clip
Hurukuro naDr Douglas Gwatidzo - Teererai (MP3) audio clip

Vana chiremba vanorwira kodzero dzevanhu, vari kukurudzira hurumende yemubatanidzwa itsva, kuti kana yotanga kushanda, itore matanho ekugadzirisa nyaya yekushaikwa kwemvura yakachena, izvo zviri kuita kuti vanhu vabatwe nehosha yemanyoka.

Zimbabwe Association of Doctors for Human Rights, inoti kuwanikwa kwemvura yakachena ikodzero yevanhu vose vari munyika. Vana chiremba ava vanoti kuwanda kuri kuita vanhu muzvipatara vane hosha yemanyoka, chiratidzo chekuti chirwere ichi chanetsa munyika.

Hurumende inoti vanhu vanodarika gumi nevatatu vafa nehosha iyi, zvikuru mumaguta eChitungwiza neChinhoyi.

Zimbabwe National Water Authority, iyo inofanirwa kugadzirisa dambudziko remvura iri, inonzi haina mari yekunze yekutenga mishonga yekuchenesa mvura inonwiwa nevanhu.

Studio 7 haina kukwanisa kutaura negurukota rezvehutano, Dr David Parirenyatwa, kuti tinzwe divi rehurumende panyaya iyi. Asi vamwe vana chiremba vanoshanda muzvipatara zvehurumende, vati dambudziko iri riri kuenderera mberi, uye vanenge vabatwa nechirwere chemanyoka, vari kuendeswa kuzvipatara zvinosanganisira Beatrice Infectious Disease hospital, nezvimwe zvipatara zvinorapa vanenge vabatwa nehosha dzinotapukira kuvamwe.

Mutori wenhau weStudio 7, Carole Gombakomba, aita hurukuro naDr Douglas Gwatidzo, sachigaro veZimbabwe Association of Doctors for Human Rights, avo vanoti zvavari kuona muzvipatara zviri kuratidza kuti hosha iyi iri kukura, sezvo pasina chiratidzo chekuti nyaya yemvura iri kugadziriswa munyika.

 

Dzimwe Nhau Dzinobva kuStudio7...

 

emailme.gif Tumira Nyaya Iyi Netsambambozha
printerfriendly.gif Mamiriro Azvinoita Zvadhindwa

  Nyaya Huru Yanhasi
MDC neZanu-PF Dzoteyana Pamaumbirwo eHurumende yeMubatanidzwa  Audio Clip Available

  Dzimwe Nhau Dze Studio7
VaMugabe Vanogadza Zvakare VaGono saGavhuna weRBZ  Audio Clip Available
Nyanzvi Dzozeya Maipiro Aita Zvinhu muZimbabwe  Audio Clip Available
MDC neZanu-PF Dzinobvumirana  Nyaya yeBumbiro reMitemo  Audio Clip Available
VaTsvangirai Vanoti Nhaurirano Hakuna Kwadziri Kuenda  Audio Clip Available
Madzimai Akazvitakura Otarisana neNguva Yakaoma
Sangano reWHO Rotsvagira Nyika Mari Yekurapa Chirwere cheCholera  Audio Clip Available
Nhaurirano dzeMDC neZanu-PF Dzinotangazve muSouth Africa  Audio Clip Available
United Nations Inoti Cholera Yauraya Vanhu Vanodarika Mazana Matatu neMakumi Matanhatu  Audio Clip Available
Nhengo dzeMDC Dziri Muhusungwa Dzichiri Kushaikwa Kwadzakachengeterwa  Audio Clip Available