VOICE OF AMERICA Shona

Mavara Chete
Search

MDC Inopokana naVaMugabe Panyaya yeDare reMakurukota


25/09/2008
Hurukuro naVaNelson Chamisa - Download (MP3) audio clip
Hurukuro naVaNelson Chamisa - Teererai (MP3) audio clip

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vange vachitarisirwa kutaura kuUnited Nations General Assembly kuNew York muAmerica neChina masikati. 

Asi vachitaura nevatori venhau neChitatu muNew York, VaMugabe vakati nyaya yedare remakurukota ichapera mumazuva mashoma anotevera sezvo pangosara mapazi mana chete edare remakurukota asati agadziriswa.

 

Asi vamwe vane ruzivo nezvenhaurirano idzi vanoti mapazi asara anosvika matanhatu, anoti rezvemari, kuchengetedzwa kwemukati menyika, kana kuti Home Affairs, kudyidzana nedzimwe nyika, kutongwa kwematunhu, kuwanikwa kwemvura uye zvemajere. 

Mumwe mukuru muZanu-PF anoti mapazi asara mana anoti rezvemari, kuchengetedzwa kwemukati menyika, remvura uye rezvekutongwa kwematunhu.

Nyaya iyi iri kutarisirwa kuzeyiwazve svondo rinouya panodzoka VaMugabe kubva kumusangano weUnited Nations.

Mutauriri weMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaNelson Chamisa, vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti mashoko aVaMugabe ekuti kwasara kugoverwa mapazi mana chete handi echokwadi nekuti pane mwongo wenyaya hapasati pabatwa.

 

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

emailme.gif Tumira Nyaya Iyi Netsambambozha
printerfriendly.gif Mamiriro Azvinoita Zvadhindwa

  Nyaya Huru Yanhasi
MDC neZanu-PF Dzoteyana Pamaumbirwo eHurumende yeMubatanidzwa  Audio Clip Available

  Dzimwe Nhau Dze Studio7
VaMugabe Vanogadza Zvakare VaGono saGavhuna weRBZ  Audio Clip Available
Nyanzvi Dzozeya Maipiro Aita Zvinhu muZimbabwe  Audio Clip Available
MDC neZanu-PF Dzinobvumirana  Nyaya yeBumbiro reMitemo  Audio Clip Available
VaTsvangirai Vanoti Nhaurirano Hakuna Kwadziri Kuenda  Audio Clip Available
Madzimai Akazvitakura Otarisana neNguva Yakaoma
Sangano reWHO Rotsvagira Nyika Mari Yekurapa Chirwere cheCholera  Audio Clip Available
Nhaurirano dzeMDC neZanu-PF Dzinotangazve muSouth Africa  Audio Clip Available
United Nations Inoti Cholera Yauraya Vanhu Vanodarika Mazana Matatu neMakumi Matanhatu  Audio Clip Available
Nhengo dzeMDC Dziri Muhusungwa Dzichiri Kushaikwa Kwadzakachengeterwa  Audio Clip Available