VOICE OF AMERICA Shona

Mavara Chete
Search

ZCTU Inotarira R-B-Z Mazuva eKuti Igadzirise Nyaya dzeMari


25/09/2008
Hurukuro naVaWellington Chibebe - Download (MP3) audio clip
Hurukuro naVaWellington Chibebe - Teererai (MP3) audio clip

Sangano reZ-C-T-U rapa bhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe, mazuva manomwe ekugadzirisa matambudziko ari kukonzerwa nemari shoma dziri kubvumidzwa vanhu kutora pazuva kubva kumabhanga. 

Z-C-T-U inoti tsamba yekuzivisa nezvedanho iri yakatumirwa kumukuru weR-B-Z, VaGideon Gono musi wa22 Gunyana, zvichireva kuti R-B-Z inofanirwa kunge yagadzirisa zviri kunetsa panosvika musi wa29 Gunyana. Z-C-T-U inoti kana pasina matanho atorwa ekugadzirisa nyaya iyi neR-B-Z, vashandi vachatorera bhanga iri matanho akakodzera.

Sangano iri rinoti vanhuwo zvavo vari kubvumidzwa kutora mari inoita $1 000.00 pazuva kubva kumabhanga kwavo, asi mauto nevashandi vemumabhanga vachibvumidzwa kutora mari dziri pakati pe$10 000.00 ne$30 000.00 pazuva. Studio7 haina kukwanisa kunzwa kubva kumabhanga kuti seyi paine mutsauko pamari dzinobvumidzwa kutora pazuva.

Munyori mukuru weZ-C-T-U, VaWellongton Chibebe, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti havasi kuzozivisa matanho achatorwa nevashandi, asi vati vashandi vari kuziva zvavachaita.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

 

emailme.gif Tumira Nyaya Iyi Netsambambozha
printerfriendly.gif Mamiriro Azvinoita Zvadhindwa

  Nyaya Huru Yanhasi
MDC neZanu-PF Dzoteyana Pamaumbirwo eHurumende yeMubatanidzwa  Audio Clip Available

  Dzimwe Nhau Dze Studio7
VaMugabe Vanogadza Zvakare VaGono saGavhuna weRBZ  Audio Clip Available
Nyanzvi Dzozeya Maipiro Aita Zvinhu muZimbabwe  Audio Clip Available
MDC neZanu-PF Dzinobvumirana  Nyaya yeBumbiro reMitemo  Audio Clip Available
VaTsvangirai Vanoti Nhaurirano Hakuna Kwadziri Kuenda  Audio Clip Available
Madzimai Akazvitakura Otarisana neNguva Yakaoma
Sangano reWHO Rotsvagira Nyika Mari Yekurapa Chirwere cheCholera  Audio Clip Available
Nhaurirano dzeMDC neZanu-PF Dzinotangazve muSouth Africa  Audio Clip Available
United Nations Inoti Cholera Yauraya Vanhu Vanodarika Mazana Matatu neMakumi Matanhatu  Audio Clip Available
Nhengo dzeMDC Dziri Muhusungwa Dzichiri Kushaikwa Kwadzakachengeterwa  Audio Clip Available