VOICE OF AMERICA Shona

Mavara Chete
Search

VaMugabe Vokurudzira Kubvisirwa Zvirango Zvavakatemerwa


26/09/2008
Mashoko aVaMugabe - Download (MP3) audio clip
Mashoko aVaMugabe - Teererai (MP3) audio clip
Hurukuto naVaGlen Mpani - Download (MP3) audio clip
Hurukuto naVaGlen Mpani - Teererai (MP3) audio clip
Hurukuro naVaCharls Mangongera - Download (MP3) audio clip
Hurukuro naVaCharls Mangongera - Teererai (MP3) audio clip

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, neChina vakataura pamberi pemusangano weUnited Nations General Assembly, uyo unoitwa kamwe chete pagore. 

VaMugabe vakati havana kufara nekuti Security Council yakaedza kuzeya nyaya yeZimbabwe vachiti zvakaitika munyika panguva yesarudzo yerun-off, hazvaida kuti nyika idzi dzipindire.

VaMugabe vakatiwo havafari nekushorwa kuti vari kutyora kodzero dzevanhu nenyika dziri kuita zvimwe chetezvo

Vakatiwo vari kufara kuti pane chibvumirano chavakanyorerana neMDC, icho chinoratidza kuti vanhu vemuAfrica, vanogona kugadzirisa matambudziko avo voga.

VaGlen Mpani vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, uye vachishanda nesangano reTransitional Justice Program riri muCape Town. VaMpani vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti VaMugabe havangatyore kodzero dzevana veZimbabwe nekuti dzimwe nyika dziri kudaro.

Zvichakadaro bato reMDC rinoti rakagadzirira kutura nyaya yekusawirirana neZanu-PF panyaya yedare remakurukota kuvakuru veUnited Nations, SADC neAfrican Union, avo vakanzi vaone kuti chibvumirano ichi chatevedzerwa nemazvo. 

Kunyange hazvo VaMugabe vari kuridza bhosvo vachiti chibvumirano chave pedyo kuzadziswa, MDC iri kuti pasara pacho ndipo pane mwongo wenyaya.


Nyaya yekupedza gakava iri ingangotore nguva sezvo mutongi gava, vathabo mbeki, vakabviswawo pachigaro muSouth Africa nebato ravo reANC.

Kunyange hazvo vSADC neAfrican Union vati vanoda kuti VaMbeki vaenderere mberi, VaMbeki vanoti vari kumirira kunzwa kubva kuSADC zviri pamutemo sezvo iri iyo yakavadoma. 

VaCharles Mangongera vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika. VaMangongera vaudzawo mutori wenhau Blessing Zulu kuti VaMugabe havafanire kuita nhafu panyaya yezvigaro iyi.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

emailme.gif Tumira Nyaya Iyi Netsambambozha
printerfriendly.gif Mamiriro Azvinoita Zvadhindwa

  Nyaya Huru Yanhasi
MDC neZanu-PF Dzoteyana Pamaumbirwo eHurumende yeMubatanidzwa  Audio Clip Available

  Dzimwe Nhau Dze Studio7
VaMugabe Vanogadza Zvakare VaGono saGavhuna weRBZ  Audio Clip Available
Nyanzvi Dzozeya Maipiro Aita Zvinhu muZimbabwe  Audio Clip Available
MDC neZanu-PF Dzinobvumirana  Nyaya yeBumbiro reMitemo  Audio Clip Available
VaTsvangirai Vanoti Nhaurirano Hakuna Kwadziri Kuenda  Audio Clip Available
Madzimai Akazvitakura Otarisana neNguva Yakaoma
Sangano reWHO Rotsvagira Nyika Mari Yekurapa Chirwere cheCholera  Audio Clip Available
Nhaurirano dzeMDC neZanu-PF Dzinotangazve muSouth Africa  Audio Clip Available
United Nations Inoti Cholera Yauraya Vanhu Vanodarika Mazana Matatu neMakumi Matanhatu  Audio Clip Available
Nhengo dzeMDC Dziri Muhusungwa Dzichiri Kushaikwa Kwadzakachengeterwa  Audio Clip Available