VOICE OF AMERICA Shona

Mavara Chete
Search

Chibvumirano Chorasisa Vatsvagi veHupoteri muSouth Africa


29/09/2008
Hurukuro naVaSibanengi Dube - Download (MP3) audio clip
Hurukuro naVaSibanengi Dube - Teererai (MP3) audio clip

Bato reM-D-C inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai kuSouth Africa, rinoti hurumende yeSouth Africa yava kunyima zvizvarwa zveZimbabwe hupoteri, zvichitevera kunyoreranwa kwechibvumirano chekuvaka hurumende yemubatanidzwa. 

Nhengo dzebato iri dziri muSouth Africa dzaudza Studio 7 kuti zviri kunzi vanhu vava kukwanisa kudzokera kumusha, hupenyu hwavo husingapinde munjodzi, sezvo mutungamiri weM-D-C, VaMorgan Tsvangirai, vava kuitwa mutungamiri wehurumende. 

Asi nhengo dzeM-D-C idzi dziri kuti hapana chiratidzo chekuti hurumende yemubatanidzwa iyi yati yavapo, sezvo pasati paumbwa hurumende, uye vatsigiri veM-D-C vachiri kungoshungurudzwa muZimbabwe. Tatadza kubata bazi rezvemukati menyika muSouth Africa kuti tinzwewo divi ravo. 

Munyori anoona nezvekufambiswa kwemashoko muM-D-C kuSouth Africa, VaSibanengi Dube, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti vave kutorawo matanho ekuendesa bazi rezvemukati menyika remuSouth Africa kumatare  kana rikasadzora mwoyo panyaya iyi.

 

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

 

 

emailme.gif Tumira Nyaya Iyi Netsambambozha
printerfriendly.gif Mamiriro Azvinoita Zvadhindwa

  Nyaya Huru Yanhasi
MDC neZanu-PF Dzoteyana Pamaumbirwo eHurumende yeMubatanidzwa  Audio Clip Available

  Dzimwe Nhau Dze Studio7
VaMugabe Vanogadza Zvakare VaGono saGavhuna weRBZ  Audio Clip Available
Nyanzvi Dzozeya Maipiro Aita Zvinhu muZimbabwe  Audio Clip Available
MDC neZanu-PF Dzinobvumirana  Nyaya yeBumbiro reMitemo  Audio Clip Available
VaTsvangirai Vanoti Nhaurirano Hakuna Kwadziri Kuenda  Audio Clip Available
Madzimai Akazvitakura Otarisana neNguva Yakaoma
Sangano reWHO Rotsvagira Nyika Mari Yekurapa Chirwere cheCholera  Audio Clip Available
Nhaurirano dzeMDC neZanu-PF Dzinotangazve muSouth Africa  Audio Clip Available
United Nations Inoti Cholera Yauraya Vanhu Vanodarika Mazana Matatu neMakumi Matanhatu  Audio Clip Available
Nhengo dzeMDC Dziri Muhusungwa Dzichiri Kushaikwa Kwadzakachengeterwa  Audio Clip Available