VOICE OF AMERICA Shona

Mavara Chete
Search

VaMugabe Vanoti Hurumende yeMubatanidzwa Ichaumbwa Mukupera kweSvondo


29/09/2008
Hurukuro naCharles Mangongera - Download (MP3) audio clip
Hurukuro naCharles Mangongera - Teererai (MP3) audio clip

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanoti vari kutarisira kuti dare remakurukota ehurumende yemubatanidzwa ringe raumbwa mukupera kwesvondo rino. 

VaMugabe vakataura mashoko aya panhandare yendege muHarare  neMuvhuro vachibva kumusangano weUnited Nations General Assembly.

VaMugabe vanoti pane mapazi emakurukota mana chete asara ekuti vawirirane naVaTsvangirai. Mapazi aya anoti rezvemari, kuchengetedzwa kwemukati menyika, matunhu uye kudyidzana nedzimwe nyika. 

Vakuru muZanu-PF neMDC vane ruzivo nezviri kuitika, vanoti papihwa chikumbiro chekuti MDC itore bazi rezvemari nekuchengetedzwa kwemukati menyika, ukuwo Zanu-PF yotora bazi rekudyidzana kwedzimwe nyika nerematunhu.

Munyori mukuru muMDC inotungamirwa naVaArthur Mutambara, VaWelshman Ncube, vanoti musangano wekugadzirisa nyaya yedare remakurukota uye kugadza hurumende yemubatanidzwa, ungangoitwa neChipiri.

Asi munyori mukuru muMDC inotungamirwa naVaTsvangirai, VaTendai Biti, vati havana ruzivo nezvechibvumirano ichi, kanawo musangano weChipiri. 

VaCharles Mangongera vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika. VaMangongera vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio7 kuti nyaya yedare remakurukota pamwe nekugadzwa kwehurumende yemubatanidzwa, inofanira kugadziriswa sezvo nyika yoramba ichienda kumawere.

 

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

emailme.gif Tumira Nyaya Iyi Netsambambozha
printerfriendly.gif Mamiriro Azvinoita Zvadhindwa

  Nyaya Huru Yanhasi
Muzvare Khupe Vanoshanyira Nzvimbo Dzine Chirwere cheCholera  Audio Clip Available

  Dzimwe Nhau Dze Studio7
Masoja Anoita Mhirizhonga muHarare  Audio Clip Available
ZINWA Inovhara Mvura muGuta reHarare  Audio Clip Available
MDC Yotarisirwa Kuzeya Kuvandudzwa kweBumbiro reMitemo  Audio Clip Available
MDC neZanu-PF Dzoteyana Pamaumbirwo eHurumende yeMubatanidzwa  Audio Clip Available
VaMugabe Vanogadza Zvakare VaGono saGavhuna weRBZ  Audio Clip Available
Nyanzvi Dzozeya Maipiro Aita Zvinhu muZimbabwe  Audio Clip Available
MDC neZanu-PF Dzinobvumirana  Nyaya yeBumbiro reMitemo  Audio Clip Available
VaTsvangirai Vanoti Nhaurirano Hakuna Kwadziri Kuenda  Audio Clip Available
Madzimai Akazvitakura Otarisana neNguva Yakaoma
Sangano reWHO Rotsvagira Nyika Mari Yekurapa Chirwere cheCholera  Audio Clip Available
Nhaurirano dzeMDC neZanu-PF Dzinotangazve muSouth Africa  Audio Clip Available
United Nations Inoti Cholera Yauraya Vanhu Vanodarika Mazana Matatu neMakumi Matanhatu  Audio Clip Available
Nhengo dzeMDC Dziri Muhusungwa Dzichiri Kushaikwa Kwadzakachengeterwa  Audio Clip Available