VOICE OF AMERICA Shona

Mavara Chete
Search

RBZ Inowedzera Mari Inotorwa muBhanga paZuva, ZCTU Inosendeka Kuratidzira


29/09/2008
Hurukuro naMuzvare Naome Chikanya - Download (MP3) audio clip
Hurukuro naMuzvare Naome Chikanya - Teererai (MP3) audio clip
Nyaya Ina Irwin Chifera - Download (MP3) audio clip
Nyaya Ina Irwin Chifera - Teererai (MP3) audio clip

Bhanga guru renyika, kana kuti Reserve Bank of Zimbabwe, ratanga kushandisa mari itsva ye $10 000 ne $20 000 kutanga neMuvhuro.

Bhanga iri ratangawo kubvumidza neMuvhuro mabhanga kuti vanhu vachitora mari inosvika $20 000  pazuva, kubva pa $1 000 pazuva.

RBZ inoti yakwidza mari idzi kuitira kuti vanhu varerukirwe. Izvi zvinoitika mushure mekunge ZCTU yavimbisa svondo rapera, kutorera RBZ matanho makuru, kana isina kukwidza mari idzi. 

Munguva imwe cheteyo neZCTU, zvizwara zveZimbabwe zvakakwidzawo banga iri kumatare edzimhosva zvichiti mari iri kupihwa pazuva ishoma zvikuru.

Kunyange hazvo mari dzinotorwa kubhanga dzawedzerwa, zvinonzi mitsetse yevanhu vari kuda kutora mari dzavo mumabhanga, ichiri mirefu mumabhanga ari emuHarare, Bulawayo nemamwe maguta.

Kunyange hazvo mari idzi dzakwidzwa, zviri kudiwa kutengwa nemunhu pazuva, zvava nemitengo yakakwira, izvo zviri kupa kuti mari iyi ishaye basa.

Muzvare Naome Chikanya inyanzvi munyaya dzehupfumi, uye vachishanda nesangano reLabour and Economic Research Institute of Zimbabwe.

Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro naMuzvare Chikanya pamusoro penyaya iyi.

Ukuwo sangano rinomirira vashandi munyika, reZCTU, rinoti ramisa kuratidzira kwaranga rakaronga kuita, sezvo RBZ yawedzera mari dzinotorwa kubhanga pazuva. Mutungamiri weZCTU, VaLovemore Matombo, vanoti vamisa hurongwa hwekuratidzira, kuitira kuti vashandi vaongorore kana mari yatanga kubvumidzwa neMuvhuro kutorwa kumabhanga, ichikwanirana nezvinodiwa nevashandi.

Sekutaura kuri kuita mutori wedu wenhau, Irwin Chifera, ZCTU inoti kana vashandi vasiri kufadzwa nemari idzi, vachipinda mumugwagwa vachinyunyuta.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

emailme.gif Tumira Nyaya Iyi Netsambambozha
printerfriendly.gif Mamiriro Azvinoita Zvadhindwa

  Nyaya Huru Yanhasi
MDC neZanu-PF Dzoteyana Pamaumbirwo eHurumende yeMubatanidzwa  Audio Clip Available

  Dzimwe Nhau Dze Studio7
VaMugabe Vanogadza Zvakare VaGono saGavhuna weRBZ  Audio Clip Available
Nyanzvi Dzozeya Maipiro Aita Zvinhu muZimbabwe  Audio Clip Available
MDC neZanu-PF Dzinobvumirana  Nyaya yeBumbiro reMitemo  Audio Clip Available
VaTsvangirai Vanoti Nhaurirano Hakuna Kwadziri Kuenda  Audio Clip Available
Madzimai Akazvitakura Otarisana neNguva Yakaoma
Sangano reWHO Rotsvagira Nyika Mari Yekurapa Chirwere cheCholera  Audio Clip Available
Nhaurirano dzeMDC neZanu-PF Dzinotangazve muSouth Africa  Audio Clip Available
United Nations Inoti Cholera Yauraya Vanhu Vanodarika Mazana Matatu neMakumi Matanhatu  Audio Clip Available
Nhengo dzeMDC Dziri Muhusungwa Dzichiri Kushaikwa Kwadzakachengeterwa  Audio Clip Available