VOICE OF AMERICA Shona

Mavara Chete
Search

Chikafu Choramba Chichinetsa Kuwana Munyika


30/09/2008
Hurukuro naVaNoel Chitiwana - Download (MP3) audio clip
Hurukuro naVaNoel Chitiwana - Teererai (MP3) audio clip

Mabhizinesi makuru anogadzira tsvigiri anoti Hippo Valley ne Triangle Limited, anoti ari kukundikana kugadzira shuga nepamusana pemitemo yemitengo yezvinhu, iyo inoatadzisa kuisa mitengo yavanoda, kana kuti inoenderana nezvinhu zvavanenge vagadzira.

Bepanhau repa internet, re Zimbabwe Times rinoti makambani aya anoti kugadzirwa kwetsvigiri kuchadzikira kunyange hazvo vacharamba vachitengesa imwe tsvigiri kunze kwenyika, kuitira kuti vawane mari yekunze iyo inodiwa pakutenga zvinhu zvinodiwa pakugadzirwa kweshuga. 

Ukuwo veruzhinji munyika vari kuti vari kushaya zvimwe zvinodiwa pakurarama.

Sangano re Consumer Council of Zimbabwe rinoti shuga iri kuwanikwa pamukoto, iri kutengwa ne 25 Rands. Mafuta ekubikisa ari kuita 45 Rands pamarita maviri.

Ukuwo zvinhu zvakawanda zviri kuwanikwa pamukoto zviri kutengeswa nemari yekunze.

Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro nemugari wekuChitungwiza, VaNoel Chitawana, pamusoro penyaya yedamudziko rechikafu. 

 

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

 


 

emailme.gif Tumira Nyaya Iyi Netsambambozha
printerfriendly.gif Mamiriro Azvinoita Zvadhindwa

  Nyaya Huru Yanhasi
MDC neZanu-PF Dzoteyana Pamaumbirwo eHurumende yeMubatanidzwa  Audio Clip Available

  Dzimwe Nhau Dze Studio7
VaMugabe Vanogadza Zvakare VaGono saGavhuna weRBZ  Audio Clip Available
Nyanzvi Dzozeya Maipiro Aita Zvinhu muZimbabwe  Audio Clip Available
MDC neZanu-PF Dzinobvumirana  Nyaya yeBumbiro reMitemo  Audio Clip Available
VaTsvangirai Vanoti Nhaurirano Hakuna Kwadziri Kuenda  Audio Clip Available
Madzimai Akazvitakura Otarisana neNguva Yakaoma
Sangano reWHO Rotsvagira Nyika Mari Yekurapa Chirwere cheCholera  Audio Clip Available
Nhaurirano dzeMDC neZanu-PF Dzinotangazve muSouth Africa  Audio Clip Available
United Nations Inoti Cholera Yauraya Vanhu Vanodarika Mazana Matatu neMakumi Matanhatu  Audio Clip Available
Nhengo dzeMDC Dziri Muhusungwa Dzichiri Kushaikwa Kwadzakachengeterwa  Audio Clip Available