VOICE OF AMERICA Shona

Mavara Chete
Search

SADC Inokumbira VaMbeki Kuti Varambe Vari Mutongi Gava paNyaya yeZimbabwe


01/10/2008
Hurukuro naVaNelson Chamisa - Download (MP3) audio clip
Hurukuro naVaNelson Chamisa - Teererai (MP3) audio clip
Hurukuro naVaJoy Mabhenge - Download (MP3) audio clip
Hurukuro naVaJoy Mabhenge - Teererai (MP3) audio clip
Hurukuro naVaLuxon Zembe - Download (MP3) audio clip
Hurukuro naVaLuxon Zembe - Teererai (MP3) audio clip

Sangano reSADC rakumbira hurumende yeSouth Africa kuti mutongi gava panyaya yeZimbabwe, VaThabo Mbeki, avo vaimbova mutungamiri wenyika iyi, vaenderere mberi nebasa kunyange hazvo vakabviswa pachigaro neANC.

Executive Secretary veSADC, VaTomaz Salamao, vaudza Studio7 kuti vakataura parunhare neChitatu nemutungamiri mutsva weSouth Africa, VaKgalema Motlanthe, vakavakumbira kuti vabvumidze VaMbeki kuti vaenderere mberi nebasa ravakatanga.

Mutauriri waVaMbeki, VaMukone Ratshitanga, vaudza Studio7 kuti VaMbeki vachiri kuzeya nyaya iyi, uye vachataura mumazuva mashoma kuti vakamira papi panyaya yekuramba vari mutongi gava. 

 

VaSalamao vaudzawo Studio 7 kuti vakatambira chikumbiro cheMDC kuti VaMbeki vapindire sezvo paita makakatanwa panyaya yedare remakurukota. Izvi zvinotevera kusawirirana kwakaitika pakati paVaMugabe naVaTsvangirai neChipiri panyaya yekugovana mapazi ehurumende.

Vamwe vakuru veSADC vaudzawo Studio 7 kuti vange vachida kuti kana zvichibvira, VaMbeki vaende kuZimbabwe neChina kunogadzirisa gakava ravapo. 

Asi gurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, vanoti hapana mangange aripo, uye havaoni zvakakodzera kuti nhaurirano idzi dzidzoserwe kuna VaMbeki. 

Asi MDC inoti pane kusawirirana kuripo pakati paVaTsvangirai naVaMugabe, uye yakwidza nyaya iyi kuSADC, pamwe neAfrican Union.

Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti bato ravo riri kuda kuti vekunze vayananise.

VaJoy Mabhenge vanoshanda nesangano reInstitute for a Democratic Alternative for Zimbabwe. VaMabhenge vanoti mutoro weZimbabwe ucharemera VaMbeki sezvo vasisina chiremera semutungamiri wenyika.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, VaLuxon Zembe, vanotiwo dambudziko rezvematongerwo enyika rikasagadziriswa, zvinogona kukonzera mhirizhonga munyika.

 

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

emailme.gif Tumira Nyaya Iyi Netsambambozha
printerfriendly.gif Mamiriro Azvinoita Zvadhindwa

  Nyaya Huru Yanhasi
MDC neZanu-PF Dzoteyana Pamaumbirwo eHurumende yeMubatanidzwa  Audio Clip Available

  Dzimwe Nhau Dze Studio7
VaMugabe Vanogadza Zvakare VaGono saGavhuna weRBZ  Audio Clip Available
Nyanzvi Dzozeya Maipiro Aita Zvinhu muZimbabwe  Audio Clip Available
MDC neZanu-PF Dzinobvumirana  Nyaya yeBumbiro reMitemo  Audio Clip Available
VaTsvangirai Vanoti Nhaurirano Hakuna Kwadziri Kuenda  Audio Clip Available
Madzimai Akazvitakura Otarisana neNguva Yakaoma
Sangano reWHO Rotsvagira Nyika Mari Yekurapa Chirwere cheCholera  Audio Clip Available
Nhaurirano dzeMDC neZanu-PF Dzinotangazve muSouth Africa  Audio Clip Available
United Nations Inoti Cholera Yauraya Vanhu Vanodarika Mazana Matatu neMakumi Matanhatu  Audio Clip Available
Nhengo dzeMDC Dziri Muhusungwa Dzichiri Kushaikwa Kwadzakachengeterwa  Audio Clip Available