VOICE OF AMERICA Shona

Mavara Chete
Search

Nyaya yeKushomeka kweMari Yonetsa Zvikuru


02/10/2008
Hurukuro naVaLuxon Zembe naVaProsper Chitambara - Download (MP3) audio clip
Hurukuro naVaLuxon Zembe naVaProsper Chitambara - Teererai (MP3) audio clip

Hurumende svondo rino yakawedzera mari inotorwa mubhanga kubva paZ$1,000
kusvika pa Z$20,000 pazuva. Bhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe rakabva raparurawo mari itsva ye Z$10,000 ne Z$20,000.

Asi zvose izvi zvinenge zvakona n¡Šanga murapwa achida nekuti dambudziko rekushomeka kwemari, riri kutoramba richinyanya. Vanhu vakawanda vanoti vari kurara mumitsetse vachida kutora mari dzavo mumabhanga. 

Iko zvino kune vakawanda rava dambudziko rekuti mwana atsva dumbu, mai vatsva musana, sezvo pakawedzerwa mari inotorwa nevanhu mumabhanga pazuva, mitengo yezvinhu yakabva yawedzerwawo zvakanyanya. Chikafu chacho chiri kushaikwa munyika.


Vamwe vanoti izvi zviri kukonzerwa nehutongi hwaVaMugabe hwauraya nyika. Asi VaMugabe nehurumende yavo vanoti zvirango zvavakatemerwa nevekunze, ndizvo zviri kupa kuti vanhu vayaure. Vane njere dzakapinza vanotiwo n¡Šanga inoona ndiyo yabata zvaunoda.

Mutori wenhau weStudio 7 Blessing Zulu aita hurukuro nenyanzvi munyaya dzezvehupfumi, VaProsper Chitambara, avo vari kuita zvidzidzo zvepamusoro paBirmingham University, pamwe nenyanzvi munyaya dzehupfumi, VaLuxon Zembe, kuti tinzwe pfungwa dzavo panyaya yezviri kuitika pamari.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

emailme.gif Tumira Nyaya Iyi Netsambambozha
printerfriendly.gif Mamiriro Azvinoita Zvadhindwa

  Nyaya Huru Yanhasi
Muzvare Khupe Vanoshanyira Nzvimbo Dzine Chirwere cheCholera  Audio Clip Available

  Dzimwe Nhau Dze Studio7
Masoja Anoita Mhirizhonga muHarare  Audio Clip Available
ZINWA Inovhara Mvura muGuta reHarare  Audio Clip Available
MDC Yotarisirwa Kuzeya Kuvandudzwa kweBumbiro reMitemo  Audio Clip Available
MDC neZanu-PF Dzoteyana Pamaumbirwo eHurumende yeMubatanidzwa  Audio Clip Available
VaMugabe Vanogadza Zvakare VaGono saGavhuna weRBZ  Audio Clip Available
Nyanzvi Dzozeya Maipiro Aita Zvinhu muZimbabwe  Audio Clip Available
MDC neZanu-PF Dzinobvumirana  Nyaya yeBumbiro reMitemo  Audio Clip Available
VaTsvangirai Vanoti Nhaurirano Hakuna Kwadziri Kuenda  Audio Clip Available
Madzimai Akazvitakura Otarisana neNguva Yakaoma
Sangano reWHO Rotsvagira Nyika Mari Yekurapa Chirwere cheCholera  Audio Clip Available
Nhaurirano dzeMDC neZanu-PF Dzinotangazve muSouth Africa  Audio Clip Available
United Nations Inoti Cholera Yauraya Vanhu Vanodarika Mazana Matatu neMakumi Matanhatu  Audio Clip Available
Nhengo dzeMDC Dziri Muhusungwa Dzichiri Kushaikwa Kwadzakachengeterwa  Audio Clip Available