VOICE OF AMERICA Shona

Mavara Chete
Search

Meya weMasvingo Vanoramba Zvavari Kupomerwa


02/10/2008
Hurukuro naAlderman Femias Chakabuda - Download (MP3) audio clip
Hurukuro naAlderman Femias Chakabuda - Teererai (MP3) audio clip

Mashoko atatambira anoti bato reM-D-C kuMasvingo ringangodzinga meya weguta reMasvingo, Alderman Femias Chakabuda, kana kuvabviswa pachigaro chehumeya, nemhosva yavanonzi vari kupomerwa yekupanduka vachipinda mubato reZanu PF munguva yesarudzo yerunoff. 

Alderman Chakabuda vari kupomerwa mhosva yekupinda mubato reZanu PF vachityira hupenyu hwavo, munguva yairohwa nekupondwa nhengo dzebato ravo nevanofungidzirwa kuti inhengo dzeZanu PF nevanozviti vakarwira rusununguko. 

Bepanhau repainternet reZimbabwe Times rinoti komisheni yakaumbwa kuti iongorore Alderman Chakabuda nemamwe makanzura maviri, yakatopedza basa rayo nemusi weChipiri. 

Studio 7 yabata munyori wekomisheni iyi, VaLawson Mapfaira, avo vabvuma kuti ichokwadi kuti vari kuongorora vachakabuda nevamwe vaviri, vakati vanga vachitarisira kusangana nevari kupomerwa mhosva ava manheru eChina.

Asi VaMapfaira varamba kutaura zvizhinji vachiti vanoda kutanga vasangana nevatatu ava. Asi Alderman Chakabuda varamba mashoko avari kupomerwa aya, vachiti mabasa evamwe vari mubato ravo vari kuda kusvibisa zita ravo pamwe nerebato reM-D-C. 

Sachigaro weM-D-C mudunhu reMasvingo, VaWilstaff Chitemere, varambawo kutaura nezvenyaya iyi. 

Alderman Chakabuda vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti havana nguva yavakambopinda mubato reZanu PF.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

 

emailme.gif Tumira Nyaya Iyi Netsambambozha
printerfriendly.gif Mamiriro Azvinoita Zvadhindwa

  Nyaya Huru Yanhasi
MDC neZanu-PF Dzoteyana Pamaumbirwo eHurumende yeMubatanidzwa  Audio Clip Available

  Dzimwe Nhau Dze Studio7
VaMugabe Vanogadza Zvakare VaGono saGavhuna weRBZ  Audio Clip Available
Nyanzvi Dzozeya Maipiro Aita Zvinhu muZimbabwe  Audio Clip Available
MDC neZanu-PF Dzinobvumirana  Nyaya yeBumbiro reMitemo  Audio Clip Available
VaTsvangirai Vanoti Nhaurirano Hakuna Kwadziri Kuenda  Audio Clip Available
Madzimai Akazvitakura Otarisana neNguva Yakaoma
Sangano reWHO Rotsvagira Nyika Mari Yekurapa Chirwere cheCholera  Audio Clip Available
Nhaurirano dzeMDC neZanu-PF Dzinotangazve muSouth Africa  Audio Clip Available
United Nations Inoti Cholera Yauraya Vanhu Vanodarika Mazana Matatu neMakumi Matanhatu  Audio Clip Available
Nhengo dzeMDC Dziri Muhusungwa Dzichiri Kushaikwa Kwadzakachengeterwa  Audio Clip Available