VOICE OF AMERICA Shona

Mavara Chete
Search

VaMbeki Vanobvuma Kuramba Vari Mutongi Gava paGakava remuZimbabwe


03/10/2008
Hurukuro naProfessor John Makumbe - Download (MP3) audio clip
Hurukuro naProfessor John Makumbe - Teererai (MP3) audio clip

Nyaya yekupedza gakava pakati peZanu-PF neMDC panyaya yedare remakurukota inenge yokora muto, sezvo VaMugabe nevamwe vavo, vari kuramba kududza panyaya yekugoverana mapazi ehurumende zvakafanira. 

Asi vamwe vakuru muZanu-PF vanoti vari kutarisira kuti vari kutungamira mapato munhaurirano idzi, vataurirane kutanga neMugovera. 

Asi munyori muMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaTendai Biti, vanoti havana ruzivo nezvemusangano weMugovera, nekuti havana kunge vasumwa. 

Asi zvinonzi Zanu-PF yave kungoti vakasangana pangataurwe chete nyaya yegurukota rezvemari, kwete rematunhu, kudyidzana nedzimwe nyika kana kuchengetedzwa kwemukati menyika. 

Vamwe vakuru mubato iri vanoti zvekuchengetedzwa kwemukati menyika hazvingataurwe nezvazvo, sezvo chiri chigaro chinopihwa munhu akanga ari kuZapu, bato iri risati rabanata neZanu-PF. MDC inoti inoda kuti VaMbeki vapindire sezvo VaTsvangirai vasiri kuwirirana naVaMugabe panyaya yemapazi iyi. 

Asi Zanu-PF iri kuti hazvina kukodzera kuti VaMbeki vauye kuzoyananisa. Mashoko ari kubva kuSouth Africa anoti VaMbeki vabvuma kuenderera mberi nekuva mutongi gava, uye vangangotumidzira nhumwa yavo kuti inosangana nevari munhaurirano idzi mukupera kwesvondo. 

Asi mutariri waVaMbeki, VaMukone Ratshitanga, vaudza vatori venhau muSouth Africa kuti havana ruzivo nezverwendo rwenhumwa yaVaMbeki.

Professor John Makumbe inyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vachidzidzisa paUniversity of Zimbabwe.

Professor Makumbe vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti VaMugabe havana hany'a nekuti vanhu vari kunonga svosve nemuromo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

emailme.gif Tumira Nyaya Iyi Netsambambozha
printerfriendly.gif Mamiriro Azvinoita Zvadhindwa

  Nyaya Huru Yanhasi
MDC neZanu-PF Dzoteyana Pamaumbirwo eHurumende yeMubatanidzwa  Audio Clip Available

  Dzimwe Nhau Dze Studio7
VaMugabe Vanogadza Zvakare VaGono saGavhuna weRBZ  Audio Clip Available
Nyanzvi Dzozeya Maipiro Aita Zvinhu muZimbabwe  Audio Clip Available
MDC neZanu-PF Dzinobvumirana  Nyaya yeBumbiro reMitemo  Audio Clip Available
VaTsvangirai Vanoti Nhaurirano Hakuna Kwadziri Kuenda  Audio Clip Available
Madzimai Akazvitakura Otarisana neNguva Yakaoma
Sangano reWHO Rotsvagira Nyika Mari Yekurapa Chirwere cheCholera  Audio Clip Available
Nhaurirano dzeMDC neZanu-PF Dzinotangazve muSouth Africa  Audio Clip Available
United Nations Inoti Cholera Yauraya Vanhu Vanodarika Mazana Matatu neMakumi Matanhatu  Audio Clip Available
Nhengo dzeMDC Dziri Muhusungwa Dzichiri Kushaikwa Kwadzakachengeterwa  Audio Clip Available