VOICE OF AMERICA Shona

Mavara Chete
Search

Sangano reC-Safe Rinoti Huwandu hweVanhu Vanoda Chikafu Huchakwira


06/10/2008
Hurukuro naVaEdson Nyamadzi - Download (MP3) audio clip
Hurukuro naVaEdson Nyamadzi - Teererai (MP3) audio clip

Sangano reConsortium for the Southern Africa Food Security Emergency kana-kuti C-SAFE, rinoti vanhu vari kuda chikafu munyika vari kuramba vachiwanda mazuva ese. 

Mumwe mukuru mu C-SAFE muZimbabwe, VaEdson Nyamadzi, vanoti sangano ravo richabatsirwa ne World Food Program mukuwanira vanhu vanosvika miriyoni nemazana mashanu chikafu parizvino, asi huwandu hwevanhu ava huchakwira sezvo vanhu vakawanda vasina kudya kwakakwana.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzechikafu dzinoti vanhu vanoda rubatsiro rwechikafu, vachadarika huwandu uhu, sezvo vamwe vanhu vari kugara mumadhora, vachange vachidawo rubatsiro rwechikafu.

Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro naVaNyamadzi kuti tinzwe mafambiro ari kuita basa ravo rekupa vanhu chikafu.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

 

 

emailme.gif Tumira Nyaya Iyi Netsambambozha
printerfriendly.gif Mamiriro Azvinoita Zvadhindwa

  Nyaya Huru Yanhasi
MDC neZanu-PF Dzoteyana Pamaumbirwo eHurumende yeMubatanidzwa  Audio Clip Available

  Dzimwe Nhau Dze Studio7
ZINWA Inovhara Mvura Muguta ReHarare  Audio Clip Available
MDC Yotarisirwa Kuzeya Kuvandudzwa kweBumbiro reMitemo  Audio Clip Available
Dambudziko reCholera Royenderera Mberi  Audio Clip Available
Masoja Anoita Mhirizhonga muHarare  Audio Clip Available
VaMugabe Vanogadza Zvakare VaGono saGavhuna weRBZ  Audio Clip Available
Nyanzvi Dzozeya Maipiro Aita Zvinhu muZimbabwe  Audio Clip Available
MDC neZanu-PF Dzinobvumirana  Nyaya yeBumbiro reMitemo  Audio Clip Available
VaTsvangirai Vanoti Nhaurirano Hakuna Kwadziri Kuenda  Audio Clip Available
Madzimai Akazvitakura Otarisana neNguva Yakaoma
Sangano reWHO Rotsvagira Nyika Mari Yekurapa Chirwere cheCholera  Audio Clip Available
Nhaurirano dzeMDC neZanu-PF Dzinotangazve muSouth Africa  Audio Clip Available
United Nations Inoti Cholera Yauraya Vanhu Vanodarika Mazana Matatu neMakumi Matanhatu  Audio Clip Available
Nhengo dzeMDC Dziri Muhusungwa Dzichiri Kushaikwa Kwadzakachengeterwa  Audio Clip Available