VOICE OF AMERICA Shona

Mavara Chete
Search

Mabhanga Onzi Haachina Mari


07/10/2008
Hurukuro naVaProsper Chitambara - Download (MP3) audio clip
Hurukuro naVaProsper Chitambara - Teererai (MP3) audio clip

Dambudziko rekushaikwa kwemari munyika rinonzi ratonyanya sezvo mabhanga akawanda anga achinzi haachina mari. Dambudziko remari iri rinouya apo bhanga guru renyika reR-B-Z rakakwidza mari dzinotorwa nemunhu pazuva, kubva pa $1 000.00 kusvika pa$20 000.00. 

Vamwe vanoti dambudziko rekushaikwa kwemari iri ranyanyowedzerwa nedanho rakatorwa nebhanga guru rekurambidza kushandiswa kwenzira yekufambisa mari yeReal Time Gross Settlement, kana kuti RTGS. 

Mumwe mushandi werimwe bhanga muHarare anoti R-B-Z yakarambidzawo kufambiswa kwemari kubva kune rimwe bazi rebhanga kuenda kune rimwe, kana kuti inter-account transfers.

Mushandi uyu anoti izvi ndizvo zvimwe zviri kuita kuti vanhu vashaye mari sezvo chose chavanoda kubhadhara chava kufanirwa kubhadharwa nemari.

VaProsper Chitambara inyanzvi mune zveupfumi, uye vari kuita zvidzidzo zvemari zvepamusoro paBirmingham University kuBritain.

VaChitambara vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti dambudziko iri richaramba riripo sezvo R-B-Z isina mapepa ekudhinda mari.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

 

 

emailme.gif Tumira Nyaya Iyi Netsambambozha
printerfriendly.gif Mamiriro Azvinoita Zvadhindwa

  Nyaya Huru Yanhasi
MDC neZanu-PF Dzoteyana Pamaumbirwo eHurumende yeMubatanidzwa  Audio Clip Available

  Dzimwe Nhau Dze Studio7
VaMugabe Vanogadza Zvakare VaGono saGavhuna weRBZ  Audio Clip Available
Nyanzvi Dzozeya Maipiro Aita Zvinhu muZimbabwe  Audio Clip Available
MDC neZanu-PF Dzinobvumirana  Nyaya yeBumbiro reMitemo  Audio Clip Available
VaTsvangirai Vanoti Nhaurirano Hakuna Kwadziri Kuenda  Audio Clip Available
Madzimai Akazvitakura Otarisana neNguva Yakaoma
Sangano reWHO Rotsvagira Nyika Mari Yekurapa Chirwere cheCholera  Audio Clip Available
Nhaurirano dzeMDC neZanu-PF Dzinotangazve muSouth Africa  Audio Clip Available
United Nations Inoti Cholera Yauraya Vanhu Vanodarika Mazana Matatu neMakumi Matanhatu  Audio Clip Available
Nhengo dzeMDC Dziri Muhusungwa Dzichiri Kushaikwa Kwadzakachengeterwa  Audio Clip Available