VOICE OF AMERICA Shona

Mavara Chete
Search

Bvunzo dzeGrade 7 Dzinotadza Kunyorwa


08/10/2008
Hurukuro naVaTakavafira Zhou - Download (MP3) audio clip
Hurukuro naVaTakavafira Zhou - Teererai (MP3) audio clip

Sangano revarairidzi reP-T-U-Z rinoti riri kushushikana zvikuru nekutadza kubudirira kwekunyorwa kwebvunzo dzekupera kwegore dzeGrade 7. Sangano iri rinoti rinorwadzikana zvikuru nekukundikana kweZIMSEC nebazi redzidzo kutambira pfungwa yekuti bvunzo dzose dzegore rino dzisendekwe sezvo vana, vadzidzi pamwe nebazi redzidzo, vasina kugadzirira zvakakwana. 

Bvunzo dzeGrade 7 dzaifanirwa kutanga kunyorwa neMuvhuro svondo rino, asi hadzina kubudirira mushure mekunge ZIMSEC yatadza kutumira magwaro anoratidza nguva inofanirwa kunyorwa bvunzo pamwe nemibvunzo kuzvikoro. NeMuvhuro P-T-U-Z yakasangana nemunyori mukuru mubazi redzidzo, VaStephen Mahere, vachida kuti bvunzo dzisanyorwa gore rino. 

Asi mumwe mushandi mubazi redzidzo anoti vachiri kuongorora zvakabva kusangano revarairidzi iri. Bazi redzidzo raudzawo bepanhau reHerald kuti rakagadzirira chose uye bvunzo dzichanyorwa kana rangopedza kugadzirisa hurongwa hwariri kuita. 

Mutungamiri wePTUZ, VaTakavafira Zhou, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti hurumende yava kungonyara kubuda pachena kuti yakundikana munyaya dzedzidzo.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

 

emailme.gif Tumira Nyaya Iyi Netsambambozha
printerfriendly.gif Mamiriro Azvinoita Zvadhindwa

  Nyaya Huru Yanhasi
MDC neZanu-PF Dzoteyana Pamaumbirwo eHurumende yeMubatanidzwa  Audio Clip Available

  Dzimwe Nhau Dze Studio7
VaMugabe Vanogadza Zvakare VaGono saGavhuna weRBZ  Audio Clip Available
Nyanzvi Dzozeya Maipiro Aita Zvinhu muZimbabwe  Audio Clip Available
MDC neZanu-PF Dzinobvumirana  Nyaya yeBumbiro reMitemo  Audio Clip Available
VaTsvangirai Vanoti Nhaurirano Hakuna Kwadziri Kuenda  Audio Clip Available
Madzimai Akazvitakura Otarisana neNguva Yakaoma
Sangano reWHO Rotsvagira Nyika Mari Yekurapa Chirwere cheCholera  Audio Clip Available
Nhaurirano dzeMDC neZanu-PF Dzinotangazve muSouth Africa  Audio Clip Available
United Nations Inoti Cholera Yauraya Vanhu Vanodarika Mazana Matatu neMakumi Matanhatu  Audio Clip Available
Nhengo dzeMDC Dziri Muhusungwa Dzichiri Kushaikwa Kwadzakachengeterwa  Audio Clip Available