VOICE OF AMERICA Shona

Mavara Chete
Search

United Nations Yotsvagira Zimbabwe Mari yeKutenga Chikafu


08/10/2008
Hurukuro naVaFambai Ngirande - Download (MP3) audio clip
Hurukuro naVaFambai Ngirande - Teererai (MP3) audio clip

Bazi re United Nations rinoona nezve kupa rubatsiro, re Humanitarian Affairs, rinoti riri kutsvaga mari inoita  US$480 million  yekutengera vanhu vemuZimbabwe chikafu.

Bazi iri rinoti pari zvino raunganidza US$255 million, nokudaro riri kutsvaga imwe mari inoita US$225 million.

Mutauriri webazi iri, Muzvare Stepahnie Bunker, vanoti nyika dziri kubatsira nemari yekutengera vanhu vemu Zimbabwe chikafu dzinosanganisira America, Britain, ne Netherlands nedzimwewo.

Zimbabwe yakatarisana nenzra inotyisa, zvokuti vanhu vanosvika mamiriyoni mashanu, vachange vachida rubatsiro rwechikafu kudzamara nyika yakohwa zvakanaka gore rinouya.

Nyanzvi munyaya dzechikafu dzinoti hurumende inofanirwa kubatsira varimi nekuvawanira mbeu pamwe nefotereza kuitira kuti nyika ive negoho rakanaka gore rinouya.

VaFambai Ngirande ndivo mutauriri weNational Association of Non-Governmental Organisations, kana kuti NANGO.

Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro naVaNgirande  kuti tinzwe kuti vanotambira seyi hurungwa hwe United Nations.

 

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

 

emailme.gif Tumira Nyaya Iyi Netsambambozha
printerfriendly.gif Mamiriro Azvinoita Zvadhindwa

  Nyaya Huru Yanhasi
MDC neZanu-PF Dzoteyana Pamaumbirwo eHurumende yeMubatanidzwa  Audio Clip Available

  Dzimwe Nhau Dze Studio7
VaMugabe Vanogadza Zvakare VaGono saGavhuna weRBZ  Audio Clip Available
Nyanzvi Dzozeya Maipiro Aita Zvinhu muZimbabwe  Audio Clip Available
MDC neZanu-PF Dzinobvumirana  Nyaya yeBumbiro reMitemo  Audio Clip Available
VaTsvangirai Vanoti Nhaurirano Hakuna Kwadziri Kuenda  Audio Clip Available
Madzimai Akazvitakura Otarisana neNguva Yakaoma
Sangano reWHO Rotsvagira Nyika Mari Yekurapa Chirwere cheCholera  Audio Clip Available
Nhaurirano dzeMDC neZanu-PF Dzinotangazve muSouth Africa  Audio Clip Available
United Nations Inoti Cholera Yauraya Vanhu Vanodarika Mazana Matatu neMakumi Matanhatu  Audio Clip Available
Nhengo dzeMDC Dziri Muhusungwa Dzichiri Kushaikwa Kwadzakachengeterwa  Audio Clip Available