VOICE OF AMERICA Shona

Mavara Chete
Search

VaTsvangirai Vanoti Vambomisa Nhaurirano neZanu-PF Kusvika VaMbeki Vapindira


09/10/2008
Nyaya ina Sylvia Manika - Download (MP3) audio clip
Nyaya ina Sylvia Manika - Teererai (MP3) audio clip
Hurukuro naVaCharles Mangongera - Download (MP3) audio clip
Hurukuro naVaCharles Mangongera - Teererai (MP3) audio clip

Mutangamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanoti bato ravo harisi kuzopinda munhaurirano dzekuvaka hurumende yemubatanidzwa, kana mutongi gava pagakava riri munyika, uye vari vaimbove mutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki, vasipo. 

Sekutaura kuri kuita mutorio wedu wenhau, Slyvia Manika, VaTsvangirai vakataura mashoko aya neChina pavaita musangano nevatori venhau muHarare. 

Asi gurukota rinoona nezvevashandi, VaNicholas Goche, mumwe weavo vari kumiririra Zanu-PF munhaurirano idzi, vati havangataure pamusoro pemashoko aVaTsvangirai aya. 

Vati zvizhinji panyaya yekuti  VaMbeki vapindire kana kuti kwete, ingatotaurwa negurukota rezve mitemo, VaPatrick Chinamasa, avo vari kutungamira Zanu-PF munhaurirano idzi. 

Asi Studio7 haina kukwanisa kutaura naVaChinamasa, sezvo vange vasiri kudavira mbozhanhare yavo. Zanu-PF iri kutsika madziro kuti VaMbeki vauye kuzoyananisa, ichiti gakava riripo, rinogona kugadziriswa VaMbeki vasipo.

Zvichakadaro, kuenderera mberi kwegakava pakati peMDC neZanu-PF kwave kutemesa vanhu vakawanda musoro.

Executive Secretary weSADC, VaTomaz Salamao, vaudza Studio7 kuti vaita musangano nemutungamiri weSouth Africa, VaKgalema Motlanthe, vakavakumbira kuti vaedze nepose pavanogona kubatsira VaMbeki kugadzirisa dambudziko remuZimbabwe nekuvapa zvose zvavanoda mukuita basa iri. 

VaSalamao vanoti havana kunge vasumwa naVaTsvangirai nezvekumbomira nhaurirano kusvika VaMbeki vauya.

Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muBritain, VaDavid Milliband, vanotiwo gakava pakati peMDC neZanu-PF, rave kukonzera matambudziko kumhuri yeZimbabwe. 

VaMilliband vanoti zvirango zvakatemerwa VaMugabe nevamwe vavo, hazvisi kuzobviswa kusvika paitwa hurumende itsva inonyatsoshanda pamwe nekuremekedza kodzero dzevanhu. 

VaCharles Mangongera vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vanoti VaMbeki zvave kuvaremera sezvo vasisiri mutungamiri wenyika.

 

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

 

emailme.gif Tumira Nyaya Iyi Netsambambozha
printerfriendly.gif Mamiriro Azvinoita Zvadhindwa

  Nyaya Huru Yanhasi
MDC neZanu-PF Dzoteyana Pamaumbirwo eHurumende yeMubatanidzwa  Audio Clip Available

  Dzimwe Nhau Dze Studio7
VaMugabe Vanogadza Zvakare VaGono saGavhuna weRBZ  Audio Clip Available
Nyanzvi Dzozeya Maipiro Aita Zvinhu muZimbabwe  Audio Clip Available
MDC neZanu-PF Dzinobvumirana  Nyaya yeBumbiro reMitemo  Audio Clip Available
VaTsvangirai Vanoti Nhaurirano Hakuna Kwadziri Kuenda  Audio Clip Available
Madzimai Akazvitakura Otarisana neNguva Yakaoma
Sangano reWHO Rotsvagira Nyika Mari Yekurapa Chirwere cheCholera  Audio Clip Available
Nhaurirano dzeMDC neZanu-PF Dzinotangazve muSouth Africa  Audio Clip Available
United Nations Inoti Cholera Yauraya Vanhu Vanodarika Mazana Matatu neMakumi Matanhatu  Audio Clip Available
Nhengo dzeMDC Dziri Muhusungwa Dzichiri Kushaikwa Kwadzakachengeterwa  Audio Clip Available